lirikcinta.com
a b c d e f g h i j k l m n o p q r s t u v w x y z 0 1 2 3 4 5 6 7 8 9 #

lirik lagu atadzei-mwana – fokvszw

Loading...

verse one

hanzi mwana wekwa nhingi aneshave rehurombe
zviito zvake izvo hazvimbofa zvakatenga mombe
manje wedu mwana hatibvume amuroore
chero zvaro ripi gore
asi pamwe hake akatengawo mota
nekuti hatidi m’kwasha anofamba netsoka
uyo asina mari
rudo rwemumoyo harutenge grocery
asi nhai mai nhingi mwana ndotomuda
nyaya dzokushaya mari nokushaya mota
dai ndanga ndiinazvo kudhara ndakaroora
atete vomus’kana vomuramba manje hona
hanzi wedu mwana acharoorwa nezigora
kwete ziboora ngoma
mangwana mangwanani uchingombeya nenyika
zuva nezuva pasina zvawurik*mboita
oti wedu mwana manje ndiye anozoita
iwe

chorus

munodarirei ko, munodarirei?
munodarirеi ko, munodarirei?
munodarirei ko, munodarirei?
munodarirеi ko, munodarirei?
verse two

hanzi mwana wekwa nhingi anenge anezvinomunetsa
kukura kudai nanhasi haana murume
dai vabereki vambofambirawo mwana
ha! zvekupi ko hapana murume anoda mvana
kudzidza kwake kose hapana zvakwabatsira
hapana murume anoda mukadzi anotambira
mari yakawanda kupfuura yaanoshandira
vavakidzani avo voshoropodza mwana
kupesaniswa nemashoko evanhu vasina hana
zvino musha woshayiwa rugare
moda kundinyadzisa futi zvekare
hapana kwaanoenda uyu ngagare pasi
nhai veduwe
veduwe kudii?
mukawomesera mwana zvino ozodii?
nhai veduwe
veduwe kudii?
mukawomesera mwana zvino ozodii?

chorus

munodarirei ko, munodarirei?
munodarirei ko, munodarirei?
munodarirei ko, munodarirei?
munodarirei ko, munodarirei?
bridge

ah monudarirei ko?
moda mwana aite seyi ko?
ambonyanya kutadzei ko?
musadaro kani
musadaro

outro

chirega kuchema
dzikamisa hana
ramba wakashinga
hupenyu ndewenyasha

lirik lagu lainnya :

YANG LAGI NGE-TRENDS...

Loading...