lirikcinta.com
a b c d e f g h i j k l m n o p q r s t u v w x y z 0 1 2 3 4 5 6 7 8 9 #

lirik lagu batai imbwa dzenyu – mark ngwazi

Loading...

musafa makairambira hama veduwe
imbwa ine mazino inoruma vakomana
imbwa ine mazino inoruma vakomana

nerimwe gore muchanyara yaruma atezvara
ndizvo muzoziva inorima vakomana
imbwa ine mazino inoruma vakomana
imbwa ine mazino inoruma vakomana

variko vabereki vanorambira vana pakutadza kwavo zvakaipa veduwe
imbwa nyoro ndidzo tsengi dzamatowo
imbwa nyoro ndidzo tsengi dzamatowo

nerimwe gore muchanyara vabata pamuviri
ndizvo muzoziva vana vanoshereketa
imbwa nyoro ndidzo tsengi dzamatowo
imbwa nyoro ndidzo tsengi dzamatowo

nerimwe gore muchanyara vabata pamuviri
ndizvo muzoziva vana vanoshereketa
imbwa nyoro ndidzo tsengi dzamatowo
imbwa nyoro ndidzo tsengi dzamatowo

rudo rwaamai kuvana vavo
rusavatadzise kutsiura vana vachinge vatadza
rudo rwababa kuvana vavo
rusavatidzise kutsiura vana vachinge vatadza
iwo moyo wekubereka
usavatidzise kutsiura vana vachinge vatadza
iwo moyo wekubereka
usavatidzise kutsiura vana vachinge vatadza

hapana mwana asingatadze
k*mahumbwe kwavanoswera munenge musipo
hapana mwana asingatadze
kuchig*yo kwavanoenda munenge musipo
hapana mwana asingatadze
kuchikoro kwavanoswera munenge musiko

kana une imbwa yako usairambire
sungai imbwa dzenyu dzinoruma vakomana
sungai imbwa dzenyu, sungai imbwa dzenyu
sungai imbwa dzenyu dzinoruma vakomana
batai imbwa dzenyu, batai imbwa dzenyu
batai imbwa dzenyu dzinoruma vakomana
batai imbwa dzenyu, batai imbwa dzenyu
batai imbwa dzenyu dzinoruma vakomana

stan muchemwa usairambire, imbwa ine mazino hamawe
vachemhere musairambire, imbwa ine mazino hamawe
professor gopo usairambire, imbwa ine mazino hamawe
gogo masasa musairambire, imbwa ine mazino hamawe
vamasarakufa musairambire, imbwa ine mazino hamawe
kwachatikobo musairambire, imbwa ine mazino hamawe
vachikweda musairambire, imbwa ine mazino hamawe

lirik lagu lainnya :

YANG LAGI NGE-TRENDS...

Loading...