lirikcinta.com
a b c d e f g h i j k l m n o p q r s t u v w x y z 0 1 2 3 4 5 6 7 8 9 #

lirik lagu chenjerera – t1 wema1

Loading...

[ chorus – emilia & t1 wema1 ]
ma1 atanga!
ah ah ah hey!

[ chorus – emilia & t1 wema1 ]
zvawadai kukura mwanangu (yah yah)
ziva kuti urimo muhana yangu (iwe iwe)
pane zvose inzwa mwana w-ngu
ngoma inorira ichiti pangu pangu (pangu pangu)
wotochenjerera wotochenjerera
wotochenjerera wese anokusekerera
wotochenjerera wotochenjerera
wotochenjerera wese anokusekerera

[ verse 1 – t1 wema1 ]
watenga mota hanzi anodira peturo nei
atenga iri benz anoi servicer nei
ko pay yake imbori marii everyday
kutenga tunodhura anyway it’s okay
vanokusekerera w-ngu vachikupemberera
apa dziri nyoka mumahuswa chimbochekerera aah
unovaona vachibuda vachichekerera
sha vacharutsa moyo iwe nekufemereka
tenderera kupi ne kupi nyaya imwe chete
iwe chete unofunga kuti muri pamwe chete
pamwe chete iwe moyo wako iwe uri kete
apa nekusaziva vane hunhu hwemapete
zvakaoma asekuru kuvafadza vanhu ava
kutsikira panzvimbo vanosasa wamudhara
skiri yenyu iri mberi imi mamudhara
iwe cheu akusasa ane skiri yakudhara

[ chorus – emilia & t1 wema1 ]
zvawadai kukura mwanangu (yah yah)
ziva kuti urimo muhana yangu (iwe iwe)
pane zvose inzwa mwana w-ngu
ngoma inorira ichiti pangu pangu (pangu pangu)
wotochenjerera wotochenjerera
wotochenjerera wese anokusekerera
wotochenjerera wotochenjerera
wotochenjerera wese anokusekerera

[ verse 2 – t1 wema1 ]
usachiva chisi chako iwe une skiri rako
shandisa tarenda rawakapihwa uite dhiri rako
riri rako budikira wane vhiri rako
wiri yako wakuzadza nemadzinhi ako
wakatamba nemagora unogona kuseva pasi
vanok-maka bhora vanotokutsveta pasi
vanokudyisa sora unotomedza pasi
vheta bhazi usati wakwira un-bhenda chasi
keta nhasi vanhu vakutsvukirira zvavo kunze
mukati makasviba kunge nzeve ine mafunze
zvibvunze usati wapindira zvine hunze-nza
zviri mukati ndizvo here zviri kunze
hapana anokuda usati wava kuziva
kuzvida kwete kutsenga mvura asi kutozvida
kuzvichengetedza pamwe chete nekunzvenga
zvinhu zvakashata nekahunhu kekupenga

[ chorus – emilia & t1 wema1 ]
zvawadai kukura mwanangu (yah yah)
ziva kuti urimo muhana yangu (iwe iwe)
pane zvose inzwa mwana w-ngu
ngoma inorira ichiti pangu pangu (pangu pangu)
wotochenjerera wotochenjerera
wotochenjerera wese anokusekerera
wotochenjerera wotochenjerera
wotochenjerera wese anokusekerera

[ outro – emilia & t1 wema1 ]
sekerera se-sekerera x3
vanokusekerera se-sekerera

lirik lagu lainnya :

YANG LAGI NGE-TRENDS...

Loading...